27
Aritari paGomo reEbhari
1 Zvino Mozisi navakuru veIsraeri vakarayira vanhu vachiti, “Chengetai mirayiro iyi yose yandinokupai nhasi. 2 Kana muchinge mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, munofanira kumisa mabwe makuru mugoapenda nesuko. 3 Mugonyora pamusoro pawo mashoko ose nomurayiro uyu kana muchinge mayambuka mhiri kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu. 4 Zvino kana muchinge mayambuka Jorodhani, misai mabwe aya paGomo reEbhari, sezvandakurayirai nhasi, mugoapenda nesuko. 5 Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu ipapo, aritari yamabwe. Musashandisa simbi pakumisa mabwe aya. 6 Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu namabwe asina kuvezwa uye mugobayirapo kuna Jehovha Mwari wenyu zvipiriso zvinopiswa. 7 Mubayire zvipiriso zvokuwadzana ipapo, muzvidye muchipembera pamberi paJehovha Mwari wenyu. 8 Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.”
Kutukwa kuchadanidzirwa paGomo reEbhari
9 Ipapo Mozisi navaprista vanova vaRevhi, vakataura kuvaIsraeri vose vakati, “Nyararai imi Israeri, uye muteerere! Iye zvino mava rudzi rwaJehovha Mwari wenyu. 10 Naizvozvo teererai Jehovha Mwari wenyu uye mugotevera mirayiro nemitemo yandinokupai nhasi.”
11 Pazuva rimwe chetero Mozisi akarayira vanhu achiti:
12 Kana muchinge mayambuka Jorodhani, aya ndiwo marudzi anofanira kundomira pamusoro peGomo reGerizimu kuti varopafadze vanhu: Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa naBhenjamini. 13 Uye marudzi aya ndiwo achamira paGomo reEbhari kuti vadanidzire kutuka: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, naNafutari.
14 VaRevhi vachataura kuvanhu vose veIsraeri nenzwi guru vachiti:
15 “Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
16 “Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni.”
17 “Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
18 “Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
19 “Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
20 “Ngaatukwe munhu anovata nomukadzi wababa vake, nokuti azvidza nhoo yababa vake.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
21 “Ngaatukwe munhu anovata nemhuka ipi zvayo.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
22 “Ngaatukwe munhu anovata nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
23 “Ngaatukwe munhu anovata namai vomukadzi wake.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
24 “Ngaatukwe munhu anouraya muvakidzani pakavanda.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
25 “Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”
26 “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu nokuaita.”
Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”